Svondo, July 27
[Iva munhu anokwanisa] kukurudzira . . . uye kutsiura.—Tito 1:9.
Kuti uve murume wechiKristu akasimba pakunamata, unofanira kudzidza zvinhu zvinokubatsira muupenyu. Izvi zvichakubatsira kuti ukwanise kuita mabasa ako muungano, uwane uye uchengetedze basa rinokuwanisa cheuviri kana kuti ukwanise kuriritira mhuri, uye kuti ukwanise kugarisana nevamwe zvakanaka. Semuenzaniso, dzidza kuverenga nekunyora zvakanaka. Bhaibheri rinoti munhu anoverenga Shoko raMwari zuva nezuva uye anorifungisisa anofara uye zvinhu zvinomufambira zvakanaka. (Pis. 1:1-3) Kana munhu achiverenga Bhaibheri zuva nezuva, achaziva mafungiro aJehovha, uye izvozvo zvichamubatsira kuti afunge zvakanaka. (Zvir. 1:3, 4) Hama nehanzvadzi dzedu dzinoda kubatsirwa nevarume vanokwanisa kudzidzisa uye kupa mazano anobva muBhaibheri. Kana uchikwanisa kuverenga uye kunyora zvakanaka, uchakwanisa kugadzirira hurukuro nemhinduro dzinobatsira vamwe uye dzinosimbisa kutenda kwavo. Uchakwanisawo kunyora pfungwa dzichakubatsira kuti usimbise kutenda kwako uye ukurudzire vamwe. w23.12 26-27 ¶9-11
Muvhuro, July 28
Uya ari pamwe nemi mukuru kune uya ari pamwe nenyika.—1 Joh. 4:4.
Paunenge uchitya, fungisisa zvichaitwa naJehovha mune ramangwana. Funga nezvemanzwiro auchaita Satani paanenge asisipo. Muenzaniso wakaitwa pagungano remunharaunda ra2014 wakaratidza vamwe baba vachikurukura nemhuri yavo kuti 2 Timoti 3:1-5 yaizonyorwa sei kudai kuri kuti mavhesi iwayo aitaura zvichange zvakaita upenyu muParadhiso. Mavhesi acho aizoti: “Munyika itsva, nguva dzinofadza zvekufadza zviya dzichasvika. Nekuti vanhu vachava vanoda vamwe, vanoda kunamata, vanozvininipisa, vanorumbidza Mwari, vanoteerera vabereki, vanoonga, vakavimbika, vanoda mhuri dzavo, vanobvumirana, vanogara vachitaura zvakanaka nezvevamwe, vanozvidzora, vanyoro, vanoda zvakanaka, vakatendeseka, vanobvuma zvinodiwa nevamwe, vane pfungwa dzinozvininipisa, vanoda Mwari panzvimbo pekuda mafaro, vanonyatsozvipira kuna Mwari; usatombosiyana nevanhu vakadaro.” Munombokurukura here nevemumhuri menyu kana nevamunonamata navo zvichange zvakaita upenyu munyika itsva? w24.01 6 ¶13-14
Chipiri, July 29
Ndakufarira.—Ruka 3:22.
Zvinonyaradza kuziva kuti Jehovha anofarira vanhu vake seboka! Bhaibheri rinoti: “Jehovha anofarira vanhu vake.” (Pis. 149:4) Asi dzimwe nguva, vamwe vanogona kuodzwa mwoyo zvakanyanya, zvekuti vanganetseka kuti, ‘Jehovha anondifarira here?’ Vamwe vashumiri vaJehovha vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri vaimboomerwa nekubvuma kuti Jehovha anovafarira. (1 Sam. 1:6-10; Job. 29:2, 4; Pis. 51:11) Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti vanhu vane chivi vanogona kufarirwa naJehovha. Zvingaitika sei izvozvo? Tinofanira kuva nekutenda muna Jesu Kristu, tobhabhatidzwa. (Joh. 3:16) Patinoita izvozvo, tinoratidza pachena kuti takapfidza zvivi zvedu uye kuti takavimbisa Mwari kuti tichaita kuda kwake. (Mab. 2:38; 3:19) Jehovha anofara patinotora matanho aya kuti tive neushamwari naye. Kana tikaita zvese zvatinogona kuti tirarame zvinoenderana nemhiko yedu yekuzvitsaurira, Jehovha anotifarira uye anotiona seshamwari dzake dzepedyo.—Pis. 25:14. w24.03 26 ¶1-2