RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/11 p. 2
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Tinofanira Kukurumidza Kuona Vanenge Vafarira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Tapota Kurumidza Kushanya
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Bhokisi Remubvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Pahofisi Yebazi Panoitwei?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
km 11/11 p. 2

Bhokisi Remibvunzo

◼ Ndiani anofanira kuzadza makuponi kana kukumbira kudzidziswa Bhaibheri paIndaneti?

Kazhinji mabhuku edu ane makuponi okuti munhu anogona kuazadza oatumira kuhofisi yebazi achikumbira mabhuku kana kushanyirwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha. Uyezve munhu anogona kukumbira kudzidza Bhaibheri achishandisa kero yedu yepaIndaneti pawww.watchtower.org. Urongwa uhwu hurikubatsira vanhu vakawanda kudzidza chokwadi. Asi pane matambudziko akamuka vamwe vaparidzi pavakashandisa urongwa uhwu vachiitira kuti hama dzavo kana kuti vamwe vanhu vabatsirwe pane zvokunamata.

Vamwe pavakatumirwa mabhuku nehofisi yebazi ivo vasina kuakumbira, vakaratidza kusafara nazvo uye vakafunga kuti bazi rinochengeta ndandanda yemakero evanhu. Vaparidzi vakanga vakumbirwa kuti vanoona munhu ainzi anofarira asi iye asina kukumbira kushanyirwa vakashayiwa kuti voti kudii apo munhu wacho akaratidza kuti haadi. Saka zvikumbiro zvinoitwa paIndaneti uye kuzadza makuponi zvinofanira kuitwa nevanhu vanofarira chete kwete kuti vaparidzi vaitire vamwe vanhu izvi. Zvikangozivikanwa chete kuti chikumbiro hachina kuitwa nemumwe anofarira asi kuti chaitwa nemuparidzi, hofisi ichabva yasiyana nacho.

Saka tingaita sei kuti hama yedu kana vatinozivana navo vabatsirwe pane zvokunamata? Kana uchida kuti awane mabhuku, wadii kumutumira sechipo? Kana akaratidza kufarira uye achida kushanyirwa neZvapupu asi usingakwanisi kutaura nevakuru veungano iri pedyo naye, unofanira kupa munyori weungano yako fomu rakanzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43), uye munyori weungano yako ndiye achariongorora oritumira kuhofisi yebazi. Asi kana ari kufarira wacho ari mujeri, kana kunzvimbo dzinoendeswa vanhu kuti vanobatsirwa kuti vasashandise zvinodhaka, kana pachipatara, haufaniri kutaura nehofisi yebazi uchimumiririra. Asi ungamukurudzira kuti ataure nehama dzinoshanyira nzvimbo yacho kana kuti anyorere hofisi yebazi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe