Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna February
“Vanhu vakawanda vanoti zvinhu zvakaipa zviri kuitika munyika zviri kukonzerwa naDhiyabhorosi. Asi chinovanetsa ndechokuti: ‘Dhiyabhorosi akambobvepi? NdiMwari akamusika here?’ Imi munotiwo chii? [Rega apindure.] Onai zviri pano.” Ipa saimba Nharireyomurindi yaFebruary 1 womuratidza nyaya iri papeji yokupedzisira, mokurukura ndima yokutanga nerugwaro rwuripo. Govera magazini acho ari maviri woronga kuzodzoka kuzokurukura mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi February 1
“Tinokumbirawo kunzwa pfungwa dzenyu nezvemunhu anoremekedzwa zvikuru nevaKristu, vaJudha uye vaMuslim. Munhu wacho ndiMosesi. Chii chamunofunga nezvacho pamunongonzwa zita rake? [Rega apindure.] Kunyange zvazvo ane zvimwe zvaaikanganisa, chinofadza marondedzerwo aanoitwa muBhaibheri. [Verenga Dheuteronomio 34:10-12.] Magazini ino inokurukura zvinhu zvitatu nezveunhu hwake hwakanaka uye inoratidza kuti tingamutevedzera sei.”
Awake! February
“Mazuva ano zvajairika kuona vanhu vachitama vachienda kune imwe nyika vachitsvaka upenyu huri nani. Munofunga kuti nguva dzose vanhu ava vanowana zvavanenge vachitsvaka here? [Rega apindure.] Kutama kunoita vanhu vachienda kune dzimwe nyika hakuna kutanga nhasi. Tarisai muone vamwe vakambotama vanotaurwa mubhuku rokutanga reBhaibheri. [Verenga Genesisi 46:5, 6.] Magazini ino inoongorora mibvunzo iyi.” Ratidza saimba mibvunzo iri panoperera peji 6.