RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 18
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEksodho

      • Jetro naZipora vanosvika (1-12)

      • Zano raJetro rekuti pagadzwe vatongi (13-27)

Eksodho 18:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 2:16, 21; 3:1
  • +Jos 2:9, 10; 9:3, 9

Eksodho 18:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Mutorwa Ikoko.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 7:29
  • +Eks 2:22

Eksodho 18:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Mwari Wangu Mubatsiri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 2:15

Eksodho 18:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 19:2; 1Mad 19:8, 9

Eksodho 18:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 4:18; Nu 10:29

Eksodho 18:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 7:3; 14:27, 28; Dhe 4:34
  • +Eks 15:22; 16:3

Eksodho 18:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kubva paruoko rweIjipiti.”

Eksodho 18:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 15:11; Pis 95:3; 97:9

Eksodho 18:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2013, p. 6

Eksodho 18:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:5; 5:1

Eksodho 18:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 1:5, 17
  • +Eks 20:19
  • +Nu 27:1-5

Eksodho 18:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 7:11

Eksodho 18:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 11:16, 17; Dhe 1:13; Mab 6:3
  • +Eks 23:8; 1Ti 3:2, 3; Tit 1:7; 1Pe 5:2
  • +Dhe 1:15; Mab 14:23

Eksodho 18:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nguva dzese.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 24:10, 11; Nu 15:32, 33; Dhe 1:17
  • +Nu 11:17

Eksodho 18:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 15:2

Eksodho 18:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 10:29

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Eks. 18:1Eks 2:16, 21; 3:1
Eks. 18:1Jos 2:9, 10; 9:3, 9
Eks. 18:3Mab 7:29
Eks. 18:3Eks 2:22
Eks. 18:4Eks 2:15
Eks. 18:5Eks 19:2; 1Mad 19:8, 9
Eks. 18:6Eks 4:18; Nu 10:29
Eks. 18:8Eks 7:3; 14:27, 28; Dhe 4:34
Eks. 18:8Eks 15:22; 16:3
Eks. 18:11Eks 15:11; Pis 95:3; 97:9
Eks. 18:16Dhe 4:5; 5:1
Eks. 18:19Jos 1:5, 17
Eks. 18:19Eks 20:19
Eks. 18:19Nu 27:1-5
Eks. 18:20Dhe 7:11
Eks. 18:21Nu 11:16, 17; Dhe 1:13; Mab 6:3
Eks. 18:21Eks 23:8; 1Ti 3:2, 3; Tit 1:7; 1Pe 5:2
Eks. 18:21Dhe 1:15; Mab 14:23
Eks. 18:22Re 24:10, 11; Nu 15:32, 33; Dhe 1:17
Eks. 18:22Nu 11:17
Eks. 18:26Mab 15:2
Eks. 18:27Nu 10:29
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Eksodho 18:1-27

Eksodho

18 Jetro, mupristi weMidhiyani, tezvara vaMozisi,+ akanzwa zvese zvakanga zvaitirwa Mozisi nevanhu vake vaIsraeri naMwari, mabudisiro akanga aita Jehovha vaIsraeri muIjipiti.+ 2 Jetro, tezvara vaMozisi, akanga ambotora Zipora, mudzimai waMozisi, paakanga ambodzoswa kwaari, 3 aine vanakomana vake vaviri.+ Mumwe mwanakomana wacho ainzi Geshomu,*+ nekuti Mozisi akati, “Ndakava mutorwa mune imwe nyika,” 4 uye mumwe wacho ainzi Eriyezeri,* nekuti akati, “Mwari wababa vangu ndiye mubatsiri wangu akandinunura pabakatwa raFarao.”+

5 Saka Jetro, tezvara vaMozisi, pamwe nevanakomana vaMozisi nemudzimai wake, vakauya kwaiva naMozisi murenje maakanga akadzika musasa, mugomo raMwari wechokwadi.+ 6 Akabva atumira shoko kuna Mozisi achiti: “Ini, tezvara vako Jetro,+ ndiri kuuya kwauri pamwe nemudzimai wako nevanakomana vako vaviri.” 7 Mozisi akabva angobuda kunochingura tezvara vake, akakotama, akavatsvoda. Vakabvunzana upenyu vakabva vapinda mutende.

8 Mozisi akarondedzera kuna tezvara vake zvese zvakanga zvaitwa naJehovha kuna Farao neIjipiti, achirwira Israeri,+ matambudziko ese avakanga vasangana nawo munzira,+ uye kuti Jehovha akanga avanunura sei. 9 Jetro akafara nezvakanaka zvese zvakanga zvaitirwa vaIsraeri naJehovha nekuvanunura kubva kuIjipiti.* 10 Jetro akabva ati: “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akakununurai kubva kuIjipiti uye kubva kuna Farao, uye akanunura vanhu kubva muutongi hweIjipiti. 11 Iye zvino ndava kuziva kuti Jehovha mukuru pane vamwe vanamwari vese,+ nezvaakaitira vaya vaizvikudza vachirwisa vanhu vake.” 12 Jetro, tezvara vaMozisi, akabva aunza mupiro unopiswa nezvibayiro kuna Mwari, uye Aroni nevakuru vese vaIsraeri vakauya vakadya natezvara vaMozisi pamberi paMwari wechokwadi.

13 Zuva rakatevera racho, Mozisi akagara pasi sezvaaigara achiita kuti atongere vanhu mhosva dzavo, uye vanhu vakaramba vachiuya vachimira pamberi paMozisi kubvira mangwanani kusvikira manheru. 14 Tezvara vaMozisi pavakaona zvese zvaakanga achiitira vanhu, vakati: “Ko chii ichi chauri kuitira vanhu? Unogarirei pano uri wega nevanhu vese ava vakamira pamberi pako kubvira mangwanani kusvikira manheru?” 15 Mozisi akati kuna tezvara vake: “Nekuti vanhu vanoramba vachiuya kwandiri kuti vabvunze Mwari. 16 Kana pakaitika nyaya, inouya kwandiri, ndotonganisa vanhu vacho, ndovazivisa zvinenge zvasarudzwa naMwari wechokwadi uye mitemo yake.”+

17 Tezvara vaMozisi vakati kwaari: “Zvauri kuita hazvisirizvo. 18 Chokwadi uchaneta, iwe nevanhu ava vauinavo, nekuti mutoro uyu wakakurisa, haukwanisi kuutakura uri wega. 19 Chinzwa zvandiri kutaura. Ndichakupa zano, uye Mwari achava newe.+ Iwe miririra vanhu pamberi paMwari wechokwadi,+ uye endesa nyaya dzacho kuna Mwari wechokwadi.+ 20 Unofanira kuvadzidzisa mirau nemitemo+ uye kuvadzidzisa nzira yavanofanira kufamba nayo nebasa ravanofanira kuita. 21 Asi unofanira kusarudza varume vakachenjera+ vanotya Mwari, varume vakatendeka vanovenga kubiridzira,+ wovagadza kuti vave vakuru vezviuru, vakuru vemazana, vakuru vemakumi mashanu, uye vakuru vemakumi.+ 22 Vanofanira kutonga vanhu kana paine nyaya dzamuka,* nyaya dzese dzakaoma vouya nadzo kwauri,+ asi ivo votonga nyaya dzese diki. Zvirerutsire nekuita kuti vatakure mutoro wacho pamwe chete newe.+ 23 Kana ukaita izvi, uye kana zviri izvo zvarayirwa naMwari, uchazvirerutsira, uye munhu wese achaenda kumba agutsikana.”

24 Mozisi akabva ateerera tezvara vake, akaita zvese zvavakanga vataura. 25 Mozisi akasarudza varume vakachenjera pakati pevaIsraeri vese, akavagadza kuti vave vatungamiriri vevanhu, kuti vave vakuru vezviuru, vakuru vemazana, vakuru vemakumi mashanu uye vakuru vemakumi. 26 Saka vaitonga vanhu kana paine nyaya dzamuka. Nyaya yainge yakaoma vaiuya nayo kuna Mozisi,+ asi nyaya dzese diki ndivo vaitonga. 27 Pashure paizvozvo Mozisi akaonekana natezvara vake,+ vakaenda kunyika yavo.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe