RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 37
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • VaKadheya vanombodzokera kwenguva pfupi (1-10)

      • Jeremiya anosungwa (11-16)

      • Zedhekiya anosangana naJeremiya (17-21)

        • Jeremiya anopiwa chingwa (21)

Jeremiya 37:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Anonziwo Jehoyakini uye Jekoniya.

  • *

    ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:17-19; 1Mak 3:15
  • +2Mad 24:12; Jer 22:24
  • +2Mak 36:10-12

Jeremiya 37:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 38:1, 4
  • +2Mad 25:18, 21; Jer 21:1, 2; 29:25

Jeremiya 37:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 37:15

Jeremiya 37:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 17:15
  • +Jer 34:21

Jeremiya 37:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 17:5; Mari 4:17; Eze 17:17

Jeremiya 37:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 32:29; 34:22; 39:8

Jeremiya 37:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Musanyepera mweya yenyu.”

Jeremiya 37:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 21:4

Jeremiya 37:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 34:21

Jeremiya 37:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 1:1

Jeremiya 37:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “akamuisa muimba yezvisungo zvemumakumbo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 26:11; 38:4
  • +Jer 20:2; VaH 11:32, 36

Jeremiya 37:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mumuzinda.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 38:14
  • +Jer 21:7; 24:8; 34:21; Eze 12:12, 13

Jeremiya 37:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 14:13; 23:16, 17; 27:14; 28:1, 2; Mari 2:14

Jeremiya 37:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 37:15
  • +Jer 26:15; 38:8, 9

Jeremiya 37:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 3:25; Jer 32:2; 33:1; 38:13, 28
  • +1Mad 17:6
  • +2Mad 25:3; Jer 38:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1997, pp. 3-4

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 37:12Mad 24:17-19; 1Mak 3:15
Jer. 37:12Mad 24:12; Jer 22:24
Jer. 37:12Mak 36:10-12
Jer. 37:3Jer 38:1, 4
Jer. 37:32Mad 25:18, 21; Jer 21:1, 2; 29:25
Jer. 37:4Jer 37:15
Jer. 37:5Eze 17:15
Jer. 37:5Jer 34:21
Jer. 37:7Jer 17:5; Mari 4:17; Eze 17:17
Jer. 37:8Jer 32:29; 34:22; 39:8
Jer. 37:10Jer 21:4
Jer. 37:11Jer 34:21
Jer. 37:12Jer 1:1
Jer. 37:15Jer 26:11; 38:4
Jer. 37:15Jer 20:2; VaH 11:32, 36
Jer. 37:17Jer 38:14
Jer. 37:17Jer 21:7; 24:8; 34:21; Eze 12:12, 13
Jer. 37:19Jer 14:13; 23:16, 17; 27:14; 28:1, 2; Mari 2:14
Jer. 37:20Jer 37:15
Jer. 37:20Jer 26:15; 38:8, 9
Jer. 37:21Ne 3:25; Jer 32:2; 33:1; 38:13, 28
Jer. 37:211Mad 17:6
Jer. 37:212Mad 25:3; Jer 38:9
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 37:1-21

Jeremiya

37 Zvino Mambo Zedhekiya+ mwanakomana waJosiya akatanga kutonga panzvimbo paKoniya*+ mwanakomana waJehoyakimu, nekuti Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi akamugadza kuti ave mambo munyika yeJudha.+ 2 Asi iye nevashandi vake nevanhu vemunyika yacho havana kuteerera mashoko aJehovha aakataura achishandisa muprofita Jeremiya.

3 Mambo Zedhekiya akatuma Jehukari+ mwanakomana waSheremiya naZefaniya+ mwanakomana wemupristi Maaseya kumuprofita Jeremiya, achiti: “Tinyengetererewo kuna Jehovha Mwari wedu.” 4 Jeremiya ainge akasununguka kufamba pakati pevanhu, nekuti vakanga vasati vamuisa mujeri.+ 5 Panguva iyi uto raFarao rakanga rasimuka kubva kuIjipiti,+ uye vaKadheya avo vainge vakakomba Jerusarema vakanzwa nezvazvo. Saka vakabva kuJerusarema.+ 6 Shoko raJehovha rakabva rauya kumuprofita Jeremiya, richiti: 7 “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Muti kuna mambo weJudha, uyo akutumai kuzondibvunza: “Inzwa! Uto raFarao iro riri kuuya kuzokubatsirai richadzokera kunyika yaro, Ijipiti.+ 8 Uye vaKadheya vachadzoka, vorwisa guta rino, voritora uye voripisa nemoto.”+ 9 Zvanzi naJehovha: “Musazvinyepera* muchiti, ‘VaKadheya vacharega kutirwisa,’ nekuti ivo havasi kuzoenda. 10 Kunyange kana mukauraya uto rese revaKadheya vari kukurwisai pongosara varume vanenge vakuvara chete, vaizongobuda mumatende avo, vopisa guta rino nemoto.”’”+

11 Uto revaKadheya parakarega kurwisa Jerusarema nekuda kweuto raFarao,+ 12 Jeremiya akasimuka kuJerusarema akaenda kunyika yaBhenjamini+ kuti anowana mugove wake ikoko pakati pevanhu vake. 13 Asi paakasvika paGedhi raBhenjamini, mukuru wevarindi, ainzi Irija mwanakomana waSheremiya mwanakomana waHananiya, akabata muprofita Jeremiya, akati: “Uri kutizira kuvaKadheya!” 14 Asi Jeremiya akati: “Aiwa! Handisi kutizira kuvaKadheya.” Asi iye haana kumuteerera. Saka Irija akabata Jeremiya, akapinda naye maiva nemachinda. 15 Machinda acho akatsamwira Jeremiya chaizvo,+ uye akamurova, akamuvharira*+ muimba yemunyori Jehonatani, iyo yakanga yava kushandiswa sejeri. 16 Jeremiya akaiswa mujeri repasi, mudzimba dzepasi, uye akaramba ari imomo kwemazuva mazhinji.

17 Mambo Zedhekiya akabva atumira shoko kuti vanomutora, uye mambo akamubvunza vari vega mumba* make.+ Akabvunza kuti, “Pane shoko rabva kuna Jehovha here?” Jeremiya akati, “Riripo!” uye akabva ati, “Muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi!”+

18 Jeremiya akatiwo kuna Mambo Zedhekiya: “Chii chandakakutadzirai imi nevashandi venyu nevanhu ava, zvamakandiisa mujeri? 19 Zvino vaprofita venyu varipi avo vakakuprofitirai vachiti, ‘Mambo weBhabhironi haasi kuuya kuzokurwisai imi nenyika ino’?+ 20 Zvino ndinzweiwo ishe wangu mambo. Ndapota, inzwai chikumbiro changu chekunzwirwa nyasha. Musandidzorera kuimba yemunyori Jehonatani,+ nekuti ndingafira ikoko.”+ 21 Saka Mambo Zedhekiya akarayira kuti Jeremiya achengetwe muChivanze cheVarindi,+ uye aipiwa chingwa cheraundi zuva nezuva chaibva kumugwagwa wevabiki,+ kusvikira chingwa chese chaiva muguta chapera.+ Uye Jeremiya akaramba ari muChivanze cheVarindi.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe