Misangano Yebasa yaMarch
Vhiki Rinotanga naMarch 7
15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo neZviziviso zvakasarudzwa zvomuHushumiri Hwedu hwoUmambo. Kurukurai nokupfupikisa “Govera Bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku,” uye kurudzirai vaparidzi kushandisa bhuku iroro apo kunenge kwakakodzera.
15 min: “Batisisa Ziviso Yapachena Yetariro Yako Isingazununguki.” Kufukidzwa nemibvunzo nemhinduro kunoitwa nomuitisi weFundo yeNharireyomurindi. Wanai tsinhiro kubva kune avo vakakurira rutyo rwokutsinhira pamisangano. Simbisai kudikanwa kwokugadzirira pachine nguva mberi. Kurudzirai ungano kugadzirira goverano yakazara mufundo yeungano yeNharireyomurindi vhiki riri rose.
15 min: “Zivisa Shoko Rinofadza riri muna Zvakazarurwa.” Kurukurirano navateereri. Itai kuti vaparidzi vakasanogadzirira vaenzanisire mharidzo dziri mundima 2-4. Pashure pomuenzaniso mumwe nomumwe itai kuti vaparidzi vatsinhire pamusoro pezvavadzidza mumharidzo. Kurudzirai vose kutora rutivi mukugovera bhuku raMugumo waZvakazarurwa mwedzi uno.
Rwiyo 225 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Rinotanga naMarch 14
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mashoko oUshe. Kweverai ngwariro kumapfundo akati ari mumagazini azvino ayo angashandiswa muushumiri hwomumunda vhiki rino.
15 min: “Unogona Kuwedzera Kurumbidza Kwako Jehovha Mukati maApril Here?” Kufukidzwa nemibvunzo nemhinduro. Wanai tsinhiro kubva kuavo vakaita upiona hwebetsero munguva yakapfuura. Itai kuti vatsanangure kuti vakagadziridza sei zvinhu zvavo kuti vashandise iyi ropafadzo. Kurudzirai vose vanoronga kuita upiona hwebetsero muna April kupinza kumbiriso dzavo nokukurumidza sezvinobvira.
20 min: “Ita Kuti Vanzwe Vachigamuchirwa Nomufaro paChirangaridzo.” Kufukidzwa nemibvunzo nemhinduro. Pashure pendima 3 ivai nomuenzaniso mupfupi womubatiri anoshumira ari kugamuchira munhu mutsva kuChirangaridzo.
Rwiyo 150 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Rinotanga naMarch 21
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo, kubatanidza mushumo weakaunzi nokubvumwa kwokugamuchirwa kwemipiro. Kurukurai bhokisi rine musoro unoti “Zvokudya Panguva Yakafanira.” Kurudzirai vose kukoka vanhu vanofarira kuhurukuro chaiyo ichapiwa pana April 10.
20 min: “Vabetsere Kuita Chiito Pamusoro Peshoko.” Kurukurirano. Ivai nemienzaniso yakasanogadzirirwa yemharidzo dziri mundima 2 ne 3.
15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo, zvichida pamusoro pegadziriro dzeChirangaridzo. Kana kuti “Mhindumupindu,” bhuku raKurangarira, mapeji 215-222. Ichaitiswa sekurukurirano yemhuri. Pwere yakakumbirwa kunyora mushumo wechikoro pamusoro pemhindumupindu inotsanangurira vabereki kuti ipfungwai dzaichashandisa uye kuti ichadzikurukura sei. Vanokurukura zvikonzero nei izvi zvibvumikiso zvichifanira kuva zvinobudirira. Vabereki vanoirumbidza zvapachokwadi.
Rwiyo 121 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Rinotanga naMarch 28
15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. “1994 ‘Rutyo Rwoumwari’ Kokorodzano Dzoruwa.” Munyori achakurukura mapfundo ari munyaya yacho. Kana zvichibvira, ungano dzinofanira kuimba nziyo pamwe chete namarimba enziyo dzoUmambo.
15 min: Achishandisa mapfundo makuru akasarudzwa omumapeji 19-32 e 1994 Yearbook, mukuru anokurukura futunuko yomunyika yose yebasa roUmambo uye anosimbisa mativi akanaka etsigiro yomuungano yomunzvimbomo. Ratidzai kuti Jehovha ari kukomborera zvikuru sei vanhu vake, kubatanidza avo vakaganhurirwa mune zvavanogona kuita.
15 min: “Mupi We‘chipo Chiri Chose Chakanaka.’” Hurukuro inokurukurwa nomukuru, yakavakirwa paNharireyomurindi, December 1, 1993, mapeji 28-31.
Rwiyo 15 nomunyengetero wokugumisa.