RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb16 September p. 8
  • Zvausingafaniri Kuita Pakudzidzisa Munhu Bhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvausingafaniri Kuita Pakudzidzisa Munhu Bhaibheri
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Mashoko Akafanana
  • Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kuti Vabhabhatidzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Taura Zviri Nyore Kunzwisisa
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Nzira Yokuita Nayo Vadzidzi Nebhuku raZivo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Chikamu 2—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
mwb16 September p. 8

KURARAMA KWECHIKRISTU

Zvausingafaniri Kuita Pakudzidzisa Munhu Bhaibheri

Rakaprindwa
Hama iri kutaura zvakawandisa pairi kudzidzisa

Kutaura Zvakawanda: Haufaniri hako kufunga kuti ndiwe unofanira kutsanangura zvese. Jesu aibvunza mibvunzo kuti abatsire vanhu kufunga uye kuti vazvionere chokwadi. (Mt 17:24-27) Mibvunzo inoita kuti kudzidza kunakidze uye inokubatsira kuziva kuti mudzidzi abata zvipi uye zvaanotenda. (be 253 ¶2-3) Paunobvunza mubvunzo mumirire kuti apindure. Kana akapa mhinduro isiri iyo, pane kuti umuudzire, tsvaka mamwe mabvunziro. (be 238 ¶2-3) Kana zvaari kudzidza zviri zvitsva kwaari taura usingamhanyi kuti anyatsobata.—be 230 ¶4.

Tsanangudzo yakaoma kunzwisisa yekuti nei tichichembera

Kuomesera Mudzidzi: Usaita katsika kekubva wada kumuudza zvese zvaunoziva nezvenyaya yacho. (Joh 16:12) Ita kuti pfungwa inokosha iri mundima yacho ijeke. (be 226 ¶4-5) Kutaura zvinhu zvakawanda-wanda kunogona kuvhara pfungwa dzinokosha. (be 235 ¶3) Kana mudzidzi anzwisisa pfungwa inokosha, ibvai maenda pandima inotevera.

Hama iri kutaura zvakawandisa zvokuti munhu ari kudzidza ava kutovhiringika

Kungoti Chero Tapedza: Chinangwa chedu ndechekuti munhu anzwisise, kwete kumhanyira kupedza. (Ru 24:32) Shoko raMwari rine simba, saka kurukurai magwaro anobudisa pfungwa dzinokosha dziri muchidzidzo chacho. (2VaK 10:4; VaH 4:12; be 144 ¶1-3) Shandisa mienzaniso iri nyore. (be 245 ¶2-4) Funga zvinotendwa nemudzidzi uye matambudziko aari kusangana nawo, woita kuti aone kuti chidzidzo chacho chingamubatsira sei. Bvunza mibvunzo yakaita seinotevera: “Zvatadzidza izvi munozviona sei?” “Zvinotidzidzisei nezvaJehovha?” “Kuita zvatadzidza kunokubatsirai sei?”—be 238 ¶4-6; 259 ¶1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe