Purogiramu Yechikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari ya2000
Mirayiridzo
Muna 2000 zvinotevera ndizvo zvakarongwa pakuitisa Chikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari.
MUNOBVA MASHOKO: Kutoti zvaratidzwa neimwe nzira, mashoko akatorwa muMagwaro echiHebheru anoratidza ndima dziri muThe Bible in Union Shona [bi53-CA], Nharireyomurindi [w-CA], “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera” (Ra1997) [si-CA], Vechiduku [yp-CA], uye “Misoro yeBhaibheri Yekukurukurirana” iri muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki [td-CA] ndimo muchabva hurukuro.
Chikoro chinofanira kutanga PANGUVA norwiyo, munyengetero, uye mashoko mashoma okugamuchira. Hapana chikonzero chokufanotaura zviri papurogiramu. Sezvo mutariri wechikoro anosuma hurukuro imwe neimwe, achataura nhau ichakurukurwa. Pfuurirai sezvinotevera:
HURUKURO NHA. 1: Maminiti 15. Iyi inofanira kukurukurwa nomukuru kana kuti mubatiri anoshumira, uye ichabva muNharireyomurindi kana kuti “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera.” Painobva muNharireyomurindi, hurukuro iyi inofanira kukurukurwa sehurukuro yokurayira yemaminiti 15 isingadzokororwi; painobva mubhuku rinonzi “Rugwaro Rwose,” inofanira kukurukurwa sehurukuro yokurayira yemaminiti 10 kusvikira ku12, ichiteverwa nekudzokorora kwemaminiti 3 kusvikira ku5, muchishandisa mibvunzo yakadhindwa iri mubhuku racho. Chinangwa chacho hachifaniri kuva chokungopedza mashoko acho asi kusimbisa kushanda kunoita mashoko ari kukurukurwa, muchisimbisa zvichava zvinobetsera zvikuru kuungano. Musoro wakaratidzwa unofanira kushandiswa.
Hama dzinopiwa hurukuro iyi dzinofanira kungwarira kuchengeta nguva. Zano repachivande ringapiwa kana zvakafanira kana kuti kana rakumbirwa nemukurukuri.
PFUNGWA HURU DZINOBVA MUKURAVA BHAIBHERI: Maminiti 6. Iyi inofanira kukurukurwa nomukuru kana kuti mubatiri anoshumira achashandisa mashoko acho zvinobatsira maererano nezvinodiwa zveungano. Hapana musoro unodiwa. Iyi haifaniri kuva pfupiso chete yemashoko anofanira kuraviwa. Kudzokorora kwemasekondi 30 kusvika ku60 kwezvitsauko zvinofanira kuraviwa kungabatanidzwa. Zvisinei, chinangwa chikuru ndechokubetsera vateereri kunzwisisa kuti nei uye sei mashoko acho achikosha kwatiri. Ipapo vadzidzi vachaendeswa kumakirasi avo akasiyana-siyana nemutariri wechikoro.
HURUKURO NHA. 2: Maminiti 5. Uku kuraviwa kweBhaibheri kwemashoko akagoverwa kunofanira kuitwa nehama. Izvi zvichashanda kukirasi huru pamwe chete nomumamwe makirasi. Hurukuro dzokurava dzinowanzova pfupi zvakakwana zvokubvumira vadzidzi kupa mashoko mashomanene okutsanangura mutsinhiro dzokuzarura nedzokugumisa. Zvakaitika pakanyorwa mashoko, zvinoreva uprofita kana kuti dzidziso, uye kushandiswa kwenheyo zvingabatanidzwa. Ndima dzose dzakagoverwa dzinofanira kuraviwa pasina kumira. Chokwadi, ndima dzinofanira kuraviwa padzinenge dzisina kutevedzana, mudzidzi wacho angataura ndima yaachapfuudzira kurava.
HURUKURO NHA. 3: Maminiti 5. Iyi ichagoverwa hanzvadzi. Musoro wehurukuro iyi uchabva mu“Misoro yeBhaibheri Yekukurukurirana” iri muShanduro yeNyika Itsva. Marongerwo acho angava uchapupu husina kurongwa, shanyo yedzokerero, kana kuti fundo yeBhaibheri yapamusha, uye vakurukuri vangave vakagara kana kuti vakamira. Mutariri wechikoro achanyanyotarisa nzira iyo mudzidzi achakurukura nayo musoro ndokubetsera saimba kufunga zviri mumagwaro. Mudzidzi anopiwa hurukuro iyi anofanira kugona kurava. Mubetseri mumwe acharongwa nemutariri wechikoro, asi mubetseri wekuwedzera angashandiswa. Kushandiswa kweBhaibheri zvinobudirira ndiko kunofanira kunyatsofungwa nezvakwo kwete marongero.
HURUKURO NHA. 4: Maminiti 5. Zvichakurukurwa muhukururo iyi zvichabva mubhuku rinonzi Vechiduku, uye inofanira kupiwa zvikurukuru vechiduku kana kuti vadzidzi vatsva. Mudzidzi anogoverwa hurukuro iyi anofanira kugona kurava. Painogoverwa kuhama, inofanira kuva hurukuro inokurukurirwa vateereri vose. Zvichava zvakanakisisa nguva dzose kuti hama yacho igadzirire hurukuro yayo ichifunga nezvevateereri vomuHoro yoUmambo kuitira kuti ibetsere zvechokwadi vanoinzwa. Zvisinei, kana mashoko iwo pachawo achishanda zviri nani pane mamwe marongero anoshanda uye akakodzera vateereri, hama yacho ingasarudza kukurukura hurukuro yayo zvinoenderana nazvo. Mudzidzi anofanira kushandisa musoro wakaratidzwa. Painopiwa hanzvadzi, mashoko acho anofanira kukurukurwa sezvakarongerwa Hurukuro Nha. 3.
*PUROGIRAMU YOKURAVA BHAIBHERI YOKUWEDZERA: Iyi yakaratidzwa muzvikomberedzo pashure penhamba yerwiyo rwevhiki yoga yoga. Nokutevera purogiramu iyi, uchirava mapeji anenge gumi pavhiki, Bhaibheri rose rinogona kuraviwa mumakore matatu. Hapana hurukuro dziri papurogiramu yechikoro kana kuti yekudzokorora tichinyora dzinobva papurogiramu yokurava yokuwedzera.
CHEREKEDZAI: Nokuda kwemashoko okuwedzera nemurayiridzo pamusoro pezano, nguva, kudzokorora tichinyora, uye kugadzirira hurukuro, tapota onai peji 3 yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1996.
PUROGIRAMU
3 Jan. Kurava Bhaibheri: Dheuteronomio 4-6
Nha. 1: Onga Zvikomborero zvaJehovha (w98-CA 1/1 map. 22-4)
Nha. 2: Dheuteronomio 6:4-19
Nha. 3: td-CA 13A Nei Mwari Asingatenderi Kunamata Madzisekuru
Nha. 4: Zvinoreva ‘Kukudza Vabereki Vako’ (yp-CA chitsauko 1)
10 Jan. Kurava Bhaibheri: Dheuteronomio 7-10
Rwiyo Nha. 49 [*Mariro aJeremia 1-5]
Nha. 1: Kudza Mwari Wechokwadi (w98-CA 1/1 map. 30-1)
Nha. 2: Dheuteronomio 8:1-18
Nha. 3: td-CA 13B Vanhu Vangakudzwa, Asi Mwari Bedzi Ndiye Anonamatwa
Nha. 4: Kunzwisisana Kunogona Kuita Pwere Nevabereki (yp-CA chitsauko 2 map. 18-19, 22-5)
17 Jan. Kurava Bhaibheri: Dheuteronomio 11-14
Rwiyo Nha. 132 [*Ezekieri 1-9]
Nha. 1: Nei Kufanorongera Vadiwa Vedu (w98-CA 1/15 map. 19-22)
Nha. 2: Dheuteronomio 11:1-12
Nha. 3: td-CA 1A Amagedhoni—Hondo Yokugumisa Uipi
Nha. 4: Nei Pwere Dzichifanira Kuudza Vabereki Vadzo (yp-CA chitsauko 2 map. 20-1)
24 Jan. Kurava Bhaibheri: Dheuteronomio 15-19
Rwiyo Nha. 162 [*Ezekieri 10-16]
Nha. 1: Simba Rechokwadi Rokuchinja Nerokubatanidza (w98-CA 1/15 map. 29-31)
Nha. 2: Dheuteronomio 19:11-21
Nha. 3: td-CA 1B Nei Amagedhoni Iri Chiito Chorudo Chinoitwa naMwari
Nha. 4: Nei Vabereki Vachiganhurira Rusununguko Rwevana Vavo (yp-CA chitsauko 3 map. 26-33)
31 Jan. Kurava Bhaibheri: Dheuteronomio 20-23
Rwiyo Nha. 13 [*Ezekieri 17-21]
Nha. 1: Zvinotaura Magwaro Pamusoro Pokurumbidza Nokubata Kumeso (w98-CA 2/1 map. 29-31)
Nha. 2: Dheuteronomio 20:10-20
Nha. 3: td-CA 35A Rubhabhatidzo—Chinodikanwa chechiKristu
Nha. 4: Kugarisana Nemadzikoma Nehanzvadzi Dzako (yp-CA chitsauko 6)
7 Feb. Kurava Bhaibheri: Dheuteronomio 24-27
Rwiyo Nha. 222 [*Ezekieri 22-27]
Nha. 1: Chikonzero Chokuva Netariro Yechokwadi (w98-CA 2/1 map. 4-6)
Nha. 2: Dheuteronomio 25:5-16
Nha. 3: td-CA 35B Rubhabhatidzo Harubvisi Zvivi
Nha. 4: Nei Kubva Pamusha Isiriyo Mhinduro (yp-CA chitsauko 7)
14 Feb. Kurava Bhaibheri: Dheuteronomio 28-30
Rwiyo Nha. 180 [*Ezekieri 28-33]
Nha. 1: Sakurira Kuva Anoonga (w98-CA 2/15 map. 4-7)
Nha. 2: Dheuteronomio 28:1-14
Nha. 3: td-CA 2A Bhaibheri iShoko raMwari Rakafuridzirwa
Nha. 4: Kuita Shamwari Chaidzoidzo (yp-CA chitsauko 8 map. 65-7, 70-2)
21 Feb. Kurava Bhaibheri: Dheuteronomio 31-34
Rwiyo Nha. 46 [*Ezekieri 34-39]
Nha. 1: Bhuku raDheuteronomio—Nei Richibetsera (si-CA map. 40-1 ndima 30-4)
Nha. 2: Dheuteronomio 32:35-43
Nha. 3: td-CA 2B Bhaibheri—Inhungamiro Inoshanda Nokuda Kwezuva Redu
Nha. 4: Kubetsera Shamwari Iri Mudambudziko Rakakura Zvakanyanya (yp-CA chitsauko 8 map. 68-9)
28 Feb. Kurava Bhaibheri: Joshua 1-5
Rwiyo Nha. 40 [*Ezekieri 40-45]
Nha. 1: Sumo Yebhuku raJoshua (si-CA p. 42 ndima 1-5)
Nha. 2: Joshua 2:8-16
Nha. 3: td-CA 2C Bhaibheri—Bhuku Ravanhu Vose
Nha. 4: Nei Pwere Dzichibvuma Kuda Kufanana Nevezera Radzo (yp-CA chitsauko 9 map. 73-6)
6 Mar. Kurava Bhaibheri: Joshua 6-9
Rwiyo Nha. 164 [*Ezekieri 46–Dhanieri 2]
Nha. 1: Vabereki—Dzivirirai Vana Venyu! (w98-CA 2/15 map. 8-11)
Nha. 2: Joshua 7:1, 10-19
Nha. 3: td-CA 34A Kuisirwa Ropa Kunoshatisa Utsvene Hweropa
Nha. 4: Kukurira Kuda Kuva Akafanana Nevezera Rako (yp-CA chitsauko 9 map. 77-80)
13 Mar. Kurava Bhaibheri: Joshua 10-13
Rwiyo Nha. 138 [*Dhanieri 3-7]
Nha. 1: Zvinotaura Bhaibheri Pamusoro Pekukwezva (w98-CA 2/15 map. 23-7)
Nha. 2: Joshua 11:6-15
Nha. 3: td-CA 34B Upenyu Hwemunhu Hunofanira Kuponeswa Pasinei Nemutengo Wacho Here?
Nha. 4: Zvitarisiko Zvinokosha Sei? (yp-CA chitsauko 10)
20 Mar. Kurava Bhaibheri: Joshua 14-17
Rwiyo Nha. 10 [*Dhanieri 8–Hosea 2]
Nha. 1: Varume Vakatendeka “Vane Kunzwa Kwakafanana Nokwedu” (w98-CA 3/1 map. 26-9)
Nha. 2: Joshua 15:1-12
Nha. 3: td-CA 23A Nguva Dzavamarudzi Dzakaguma Rini?
Nha. 4: Chii Chinotungamirira Chisarudzo ChomuKristu Chezvipfeko? (yp-CA chitsauko 11 p. 90–p. 94 ndima 1)
27 Mar. Kurava Bhaibheri: Joshua 18-20
Nha. 1: Kuraramazve Mumazuva Okupedzisira aJesu Pasi Pano (w98-CA 3/15 map. 3-9)
Nha. 2: Joshua 18:1-10
Nha. 3: td-CA 3A Chechi yechiKristu Chii?
Nha. 4: Kubetsera Kunoita Zvipfeko ‘Zvine Mwero Nezvakafanira’ (yp-CA chitsauko 11 p. 94 ndima 2–p. 96)
3 Apr. Kurava Bhaibheri: Joshua 21-24
Rwiyo Nha. 144 [*Joere 1–Amosi 7]
Nha. 1: Bhuku raJoshua—Nei Richibetsera (si-CA map. 45-6 ndima 21-4)
Nha. 2: Joshua 21:43–22:8
Nha. 3: td-CA 3B Petro Ndiye “Ruware” Here?
Nha. 4: Mavakire Aungaita Kuzviremekedza (yp-CA chitsauko 12 p. 98–p. 101 ndima 2)
10 Apr. Kurava Bhaibheri: Vatongi 1-4
Rwiyo Nha. 43 [*Amosi 8–Mika 5]
Nha. 1: Sumo Yebhuku raVatongi (si-CA map. 46-7 ndima 1-7)
Nha. 2: Vatongi 3:1-11
Nha. 3: td-CA 20A Sayenzi Yechokwadi Inotsigira Nhau Yokusika yeBhaibheri
Nha. 4: Ngwarira Kuzvivimba Kwenhema (yp-CA chitsauko 12 p. 101 ndima 3–p. 103)
17 Apr. Kurava Bhaibheri: Vatongi 5-7
Rwiyo Nha. 193 [*Mika 6–Zefania 1]
Nha. 1: Dzidza Mumirayiridzo yaJesu Kune Vane 70 (w98-CA 3/1 map. 30-1)
Nha. 2: Vatongi 5:24-31
Nha. 3: td-CA 20B Zuva Rokusika Rimwe Nerimwe Raiva Remaawa 24 Here?
Nha. 4: Chii Chinokonzera Kupera Mwoyo? (yp-CA chitsauko 13 p. 104–p. 106 ndima 1)
24 Apr. Kudzokorora Tichinyora. Pedzisai Dheuteronomio 4–Vatongi 7
Rwiyo Nha. 91 [*Zefania 2–Zekaria 7]
1 May Kurava Bhaibheri: Vatongi 8-10
Rwiyo Nha. 38 [*Zekaria 8–Maraki 4]
Nha. 1: Remekedza Chiremera Chomunhu Oga Chavamwe (w98-CA 4/1 map. 28-31)
Nha. 2: Vatongi 9:7-21
Nha. 3: td-CA 27A Jesu Akafira Pamuchinjikwa Here?
Nha. 4: Kuziva Nekuderedza Kupera Mwoyo (yp-CA chitsauko 13 p. 106 ndima 3–p. 111 ndima 3)
8 May Kurava Bhaibheri: Vatongi 11-14
Nha. 1: Bhanabhasi, “Mwanakomana Wokunyaradza” (w98-CA 4/15 map. 20-3)
Nha. 2: Vatongi 13:2-10, 24
Nha. 3: td-CA 27B VaKristu Vanofanira Kunamata Muchinjikwa Here?
Nha. 4: Kukurira Kwaungaita Kupera Mwoyo (yp-CA chitsauko 13 p. 111 ndima 4–p. 114)
15 May Kurava Bhaibheri: Vatongi 15-18
Nha. 1: Kuchengeteka Kwenyika Pasina Mauto (w98-CA 4/15 map. 28-30)
Nha. 2: Vatongi 17:1-13
Nha. 3: td-CA 37A Chii Chinoparira Rufu?
Nha. 4: Unogona Sei Kuva Woga Asi Usina Kusurukirwa (yp-CA chitsauko 14 map. 115-17)
22 May Kurava Bhaibheri: Vatongi 19-21
Nha. 1: Bhuku raVatongi—Nei Richibetsera (si-CA p. 50 ndima 26-8)
Nha. 2: Vatongi 19:11-21
Nha. 3: td-CA 37B Vakafa Vanogona Kukukuvadza Here?
Nha. 4: Mushonga Wokusurukirwa (yp-CA chitsauko 14 map. 118-20)
29 May Kurava Bhaibheri: Rute 1-4
Nha. 1: Sumo Yebhuku raRute Uye Nei Richibetsera (si-CA map. 51-3 ndima 1-3, 9-10)
Nha. 2: Rute 3:1-13
Nha. 3: td-CA 37C Vanhu Vanogona Kutaura Nehama Dzavo Dzakafa Here?
Nha. 4: Kunzwisisa Nyadzi (yp-CA chitsauko 15 map. 121-2)
5 June Kurava Bhaibheri: 1 Samueri 1-3
Rwiyo Nha. 191 [*Mateu 27–Mako 4]
Nha. 1: Sumo Yebhuku ra1 Samueri (si-CA map. 53-4 ndima 1-6)
Nha. 2: 1 Samueri 1:9-20
Nha. 3: td-CA 7A Dhiyabhorosi Munhu Chaiyeiye Here?
Nha 4: Kukurira Kwaungaita Nyadzi (yp-CA chitsauko 15 map. 123-6)
12 June Kurava Bhaibheri: 1 Samueri 4-7
Nha. 1: Jehovha Ndiani? (w98-CA 5/1 map. 5-7)
Nha. 2: 1 Samueri 4:9-18
Nha. 3: td-CA 7B Dhiyabhorosi—Mutongi Asingaoneki Wenyika
Nha. 4: Kukurira Nhamo (yp-CA chitsauko 16)
19 June Kurava Bhaibheri: 1 Samueri 8-11
Nha. 1: Kutendeka Kunopiwa Mubayiro (w98-CA 5/1 map. 30-1)
Nha. 2: 1 Samueri 8:4-20
Nha. 3: td-CA 7C Zvinotaura Bhaibheri Nezvengirozi Dzakapanduka
Nha. 4: Maonere Anoita vaKristu Chikoro (yp-chitsauko 17)
26 June Kurava Bhaibheri: 1 Samueri 12-14
Rwiyo Nha. 172 [*Mako 15–Ruka 3]
Nha. 1: Pfuma Inogona Kukuita Kuti Ufare Here? (w98-CA 5/15 map. 4-6)
Nha. 2: 1 Samueri 14:1-14
Nha. 3: td-CA 32A Pasi—Rakasikirwa Kuva Paradhiso
Nha. 4: Mavandudzire Aungaita Mamakisi Ako Okuchikoro (yp-CA chitsauko 18)
3 July Kurava Bhaibheri: 1 Samueri 15-17
Nha. 1: Juniki naRoisi—Vadzidzisi Vane Muenzaniso Wakanaka (w98-CA 5/15 map. 7-9)
Nha. 2: 1 Samueri 16:4-13
Nha. 3: td-CA 32B Upenyu Pasi Pano Hahuzofi Hwakaguma
Nha. 4: Kudzivisa Kunetswa Kuchikoro (yp-CA chitsauko 19)
10 July Kurava Bhaibheri: 1 Samueri 18-20
Nha. 1: Kusvika Mwoyo Nekunyengetedza (w98-CA 5/15 map. 21-3)
Nha. 2: 1 Samueri 19:1-13
Nha. 3: td-CA 43A Ungaziva Vaprofita Venhema Here?
Nha. 4: Kushandira Pamwe Nomudzidzisi Wako (yp-CA chitsauko 20)
17 July Kurava Bhaibheri: 1 Samueri 21-24
Nha. 1: Takura Mutoro Wako Wemhuri (w98-CA 6/1 map. 20-3)
Nha. 2: 1 Samueri 24:2-15
Nha. 3: td-CA 16A Kurapa Kwomudzimu Kunokosha Sei?
Nha. 4: Mawanire Aungaita Basa Nokurichengeta (yp-CA chitsauko 21)
24 July Kurava Bhaibheri: 1 Samueri 25-27
Nha. 1: Kururamisira Kwechokwadi—Rini Uye Sei? (w98-CA 6/15 map. 26-9)
Nha. 2: 1 Samueri 25:23-33
Nha. 3: td-CA 16B Umambo hwaMwari—Mutoo Wokurapa Kwechigarire
Nha. 4: Sarudza Basa Rakanakisisa (yp-CA chitsauko 22)
31 July Kurava Bhaibheri: 1 Samueri 28-31
Nha. 1: Bhuku ra1 Samueri—Nei Richibetsera (si-CA map. 57-8 ndima 27-35)
Nha. 2: 1 Samueri 31:1-13
Nha. 3: td-16C Kurapa Kwokutenda Kwemazuva Ano Hakubvi Kuna Mwari
Nha. 4: Nei Kurara Pamwe Chete Kwevasati Varoorana Kwakaipa (yp-CA chitsauko 23)
7 Aug. Kurava Bhaibheri: 2 Samueri 1-4
Nha. 1: Sumo Yebhuku ra2 Samueri (si-CA p. 59 ndima 1-5)
Nha. 2: 2 Samueri 2:1-11
Nha. 3: td-CA 16D Kutaura Nendimi Uchapupu Hwechokwadi Hwenyasha dzaMwari Here?
Nha. 4: Madzivisirwe Angaitwa Unzenza (yp-CA chitsauko 24)
14 Aug. Kurava Bhaibheri: 2 Samueri 5-8
Rwiyo Nha. 174 [*Johani 12-18]
Nha. 1: “Zvishandisei Nesimba” (w98-CA 6/15 map. 30-1)
Nha. 2: 2 Samueri 7:4-16
Nha. 3: td-CA 6A Ndivanaani Vanoenda Kudenga?
Nha. 4: Bonhora Kutadza Kwakakomba Here? (yp-CA chitsauko 25)
21 Aug. Kurava Bhaibheri: 2 Samueri 9-12
Rwiyo Nha. 107 [*Johani 19–Mabasa 4]
Nha. 1: Iva Muvakidzani Akanaka (w98-CA 7/1 map. 30-1)
Nha. 2: 2 Samueri 11:2-15
Nha. 3: td-CA 8A Hero Haisi Nzvimbo Yokurwadziswa
Nha. 4: Dzivisa Musungo Webonhora (yp-CA chitsauko 26)
28 Aug. Kudzokorora Tichinyora. Pedzisai Vatongi 8–2 Samueri 12
4 Sept. Kurava Bhaibheri: 2 Samueri 13-15
Rwiyo Nha. 183 [*Mabasa 11-16]
Nha. 1: Ipa Vana Vako Kutanga Kwakanaka Muupenyu (w98-CA 7/15 map. 4-6)
Nha. 2: 2 Samueri 13:20-33
Nha. 3: td-CA 8B Moto Unoratidza Kuparadzwa
Nha. 4: Nei Kutendeseka Uriwo Muitiro Wakanakisisa (yp-CA chitsauko 27)
11 Sept. Kurava Bhaibheri: 2 Samueri 16-18
Rwiyo Nha. 129 [*Mabasa 17-22]
Nha. 1: Maonere echiKristu Tsika Dzamariro (w98-CA 7/15 map. 20-4)
Nha. 2: 2 Samueri 16:5-14
Nha. 3: td-CA 8C Nhau Yomupfumi naRazaro Hairatidzi Kurwadziswa Kusingagumi
Nha. 4: Kukurira Rudo Rweruchiva (yp-CA chitsauko 28)
18 Sept. Kurava Bhaibheri: 2 Samueri 19-21
Rwiyo Nha. 19 [*Mabasa 23–VaRoma 1]
Nha. 1: Unogona Kuvimba Nehana Yako Here? (w98-CA 9/1 map. 4-7)
Nha. 2: 2 Samueri 20:1, 2, 14-22
Nha. 3: td-CA 24A Maonere Anoita vaKristu Mhemberero
Nha. 4: Mazivire Aungaita Kana Wagadzirira Kudanana Nomumwe Munhu (yp-CA chitsauko 29 map. 225-31, 234-5)
25 Sept. Kurava Bhaibheri: 2 Samueri 22-24
Nha. 1: Bhuku ra2 Samueri—Nei Richibetsera (si-CA p. 63 ndima 28-31)
Nha. 2: 2 Samueri 23:8-17
Nha. 3: td-CA 26A Kushandiswa Kwezvifananidzo Kunozvidza Mwari
Nha. 4: Kushamwaridzana Nemukomana Kana Musikana—Pane Ngozi Here? (yp-CA chitsauko 29 map. 232-3)
2 Oct. Kurava Bhaibheri: 1 Madzimambo 1-2
Rwiyo Nha. 36 [*VaRoma 10–1 VaKorinde 3]
Nha. 1: Sumo Yebhuku ra1 Madzimambo (si-CA map. 64-5 ndima 1-5)
Nha. 2: 1 Madzimambo 2:1-11
Nha. 3: td-CA 26B Migumisiro Yokunamata Zvifananidzo
No. 4: Kusarudza Kana Wagadzirira Kuroora (yp-CA chitsauko 30)
9 Oct. Kurava Bhaibheri: 1 Madzimambo 3-6
Rwiyo Nha. 106 [*1 VaKorinde 4-13]
Nha. 1: Isa Zvinhu Zvokutanga Pakutanga (w98-CA 9/1 map. 19-21)
Nha. 2: 1 Madzimambo 4:21-34
Nha. 3: td-CA 26C Jehovha Oga Ndiye Anofanira Kunamatwa
Nha. 4: Kuziva Rudo Rwechokwadi (yp-CA chitsauko 31 map. 242-7, 250-1
16 Oct. Kurava Bhaibheri: 1 Madzimambo 7-8
Rwiyo Nha. 76 [*1 VaKorinde 14–2 VaKorinde 7]
Nha. 1: Kupupurira Pamberi Pevanoremekedzwa (w98-CA 9/1 map. 30-1)
Nha. 2: 1 Madzimambo 7:1-14
Nha. 3: td-CA 22B Zvitendero Zvose Zvakanaka Here?
Nha. 4: Kukurira Kurwadziwa Mwoyo (yp-CA chitsauko 31 map. 248-9)
23 Oct. Kurava Bhaibheri: 1 Madzimambo 9-11
Rwiyo Nha. 97 [*2 VaKorinde 8–VaGaratiya 4]
Nha. 1: Maonere evaKristu Mari Yeroora (w98-CA 9/15 map. 24-7)
Nha. 2: 1 Madzimambo 11:1-13
Nha. 3: td-CA 9B Chokwadi Chokuvapo kwaMwari
Nha. 4: Nzira Yokudanana Zvinobudirira (yp-CA chitsauko 32)
30 Oct. Kurava Bhaibheri: 1 Madzimambo 12-14
Rwiyo Nha. 113 [*VaGaratiya 5–VaFiripi 2]
Nha. 1: Mwari Munhu Chaiyeiye Kwauri Here? (w98-CA 9/15 map. 21-3)
Nha. 2: 1 Madzimambo 13:1-10
Nha. 3: td-CA 9D Havasi Vanhu Vose Vanobatira Mwari Mumwe Chete
Nha. 4: Ngozi Dzokunwa Uri Muduku (yp-CA chitsauko 33)
6 Nov. Kurava Bhaibheri: 1 Madzimambo 15-17
Rwiyo Nha. 123 [*VaFiripi 3–1 VaTesaronika 5]
Nha. 1: Ramba Uchifambira Mberi Mumudzimu! (w98-CA 10/1 map. 28-31)
Nha. 2: 1 Madzimambo 15:9-24
Nha. 3: td-CA 10A Jesu Kristu—Mwanakomana waMwari Uye Mambo Akagadzwa
Nha. 4: Kudzivisirei Zvinodhaka (yp-CA chitsauko 34)
13 Nov. Kurava Bhaibheri: 1 Madzimambo 18-20
Rwiyo Nha. 159 [*2 VaTesaronika 1–2 Timoti 3]
Nha. 1: Gadzirisai Zvinetso Norugare (w98-CA 11/1 map. 4-7)
Nha. 2: 1 Madzimambo 20:1, 13-22
Nha. 3: td-CA 10C Kungotenda Muna Jesu Kwakakwana Here Kuti Uponeswe?
Nha. 4: Sarudza Zvaunorava (yp-CA chitsauko 35)
20 Nov. Kurava Bhaibheri: 1 Madzimambo 21-22
Rwiyo Nha. 179 [*2 Timoti 4–VaHebheru 7]
Nha. 1: Bhuku ra1 Madzimambo—Nei Richibetsera (si-CA map. 68-9 ndima 23-6)
Nha. 2: 1 Madzimambo 22:29-40
Nha. 3: td-CA 40B Kutonga kwoUmambo Kunotanga Vavengi vaKristu Vachiri Kubata Basa
Nha. 4: Dzora Maonero Aunoita TV (yp-CA chitsauko 36)
27 Nov. Kurava Bhaibheri: 2 Madzimambo 1-3
Rwiyo Nha. 148 [*VaHebheru 8–Jakobho 2]
Nha. 1: Sumo Yebhuku ra2 Madzimambo (si-CA p. 69 ndima 1-4)
Nha. 2: 2 Madzimambo 2:15-25
Nha. 3: td-CA 25A Zvinorehwa no“Kuguma Kwenyika”
Nha. 4: Kuona Nhandaro Zviri Pakati Nepakati (yp-CA chitsauko 37)
4 Dec. Kurava Bhaibheri: 2 Madzimambo 4-6
Rwiyo Nha. 109 [*Jakobho 3–2 Petro 3]
Nha. 1: Ngwarira Usimoni (w98-CA 11/15 p. 28)
Nha. 2: 2 Madzimambo 5:20-27
Nha. 3: td-CA 41A Upenyu Husingaperi Hahusi Chiroto Chete
Nha. 4: Chine Nguva Yemberi (yp-CA chitsauko 38)
11 Dec. Kurava Bhaibheri: 2 Madzimambo 7-9
Rwiyo Nha. 117 [*1 Johani 1–Zvakazarurwa 1]
Nha. 1: Nheyo dzeBhaibheri Dzokutevedzera Pakukweretesa Nokukwereta Mari (w98-CA 11/15 map. 24-7)
Nha. 2: 2 Madzimambo 7:1, 2, 6, 7, 16-20
Nha. 3: td-CA 41C Hapana Nhamba Yakaganhurirwa Yeavo Vachawana Upenyu Husingaperi Pasi Pano
Nha. 4: Kuswedera Kwaungaita Pedyo naMwari (yp-CA chitsauko 39)
18 Dec. Kurava Bhaibheri: 2 Madzimambo 10-12
Rwiyo Nha. 181 [*Zvakazarurwa 2-12]
Nha. 1: Zvakanyatsoitika Pakuzvarwa kwaJesu (w98-CA 12/15 map. 5-9)
Nha. 2: 2 Madzimambo 11:1-3, 9-16
Nha. 3: td-CA 33B VaKristu Vanofanira Kuremekedza Nheyo Youmusoro
Nha. 4: td-CA 33C Mutoro Wevabereki Kuvana
25 Dec. Kudzokorora Tichinyora. Pedzisai 2 Samueri 13–2 Madzimambo 12
Rwiyo Nha. 217 [*Zvakazarurwa 13-22]